Ezekiel 28

Chiprofita pamusoro paMambo weTire

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako
iwe unoti, “Ini ndiri mwari;
ndinogara pachigaro choushe chamwari,
pakati pomwoyo wamakungwa.”
Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari,
kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.
3Wakachenjera kukunda Dhanieri here?
Hauna chakavanzika chausingazivi here?
4Wakazviwanira pfuma
nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako,
uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha
muzvivigiro zvepfuma yako.
5Wakawanza pfuma yako
nouchenjeri hwako hwokutengesa,
uye nokuda kwepfuma yako
mwoyo wako wakazvikudza.
6“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Nokuti unofunga kuti wakangwara,
sokungwara kwamwari,
7ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa,
rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose,
vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako,
vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.
8Vachakuburutsira kugomba,
uye uchafa rufu runorwadza
pakati pomwoyo wamakungwa.
9Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,”
pamberi pavanokuuraya?
Uchava munhu chete, kwete mwari,
mumaoko aivo vanokuuraya.
10Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa
pamaoko avatorwa.
Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

11Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 12“Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Wakanga uri muenzaniso wokukwana,
uzere nouchenjeri wakakwana parunako.
13Wakanga uri muEdheni,
bindu raMwari;
wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti:
rubhi, tapazi neemeradhi,
krisorite, onikisi, jasipa,
safuri, turikoise nebheriri.
Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe;
zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.
14Wakazodzwa sekerubhi rinorinda,
nokuti ndiko kugadza kwandakakuita.
Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari;
wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.
15Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako,
kubva pazuva rawakasikwa
kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.
16Nokuwanda kwokushambadzira kwako
wakabva wazara nechisimba,
ndokubva watadza.
Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari,
uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda,
kuti ubve pakati pamabwe omoto.
17Mwoyo wako wakazvikudza
nokuda kworunako rwako,
uye wakaodza uchenjeri hwako
nokuda kwokubwinya kwako.
Saka ndakakukanda panyika;
ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.
18Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira,
wakazvidza nzvimbo dzako tsvene.
Saka ndakaita kuti moto ubude kubva mauri,
ukakuparadza,
uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika,
pamberi pavose vaikuona.
19Ndudzi dzose dzaikuziva
dzinoshamiswa newe;
wasvika pamagumo akaipisisa
uye hauchazovapozve.’ ”

Chiprofita pamusoro peSidhoni

20Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 21“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro, 22uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni,
uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako.
Vachaziva kuti ndini Jehovha,
pandichariranga
ndigozviratidza mariri kuti ndiri mutsvene.
23Ndichatuma denda pamusoro paro
ndigoita kuti ropa riyerere munzira dzaro.
Vakaurayiwa vachawa mariri,
nomunondo uchirirwisa kumativi ose.
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
24“ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho. 26Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”

Copyright information for SnaBDSC